Ezekiel 33

Ezekieri, Nharirire yaJehovha

1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, taura kuvanhu venyika yako uti kwavari: ‘Kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika, uye vanhu venyika iyo vakasarudza mumwe wavo vakamuita nharirire yavo, 3uye iye akaona munondo uchiuya kuzorwa nenyika akaridza hwamanda kuti anyevere vanhu, 4ipapo ani naani kana akanzwa hwamanda asi akasava nehanya nenyevero uye munondo ukasvika ukamuuraya, ropa rake richava pamusoro wake. 5Sezvo akanzwa kurira kwehwamanda asi akashaya hanya, ropa rake richava pamusoro wake. Dai akateerera kunyeverwa, angadai akaponesa upenyu hwake. 6Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’

7“Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka inzwa shoko randinotaura ugovaudza yambiro inobva kwandiri. 8Kana ndikati kuno akaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo,’ uye iwe ukasamutaurira kuti umunyevere panzira dzake, munhu uyo akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza kwauri. 9Asi iwe kana ukanyevera munhu wakaipa uyu kuti adzoke kubva panzira dzake, iye akasaita izvozvo, achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe unenge waponesa upenyu hwako.

10“Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsraeri, ‘Izvi ndizvo zvamunoreva muchiti, “Kutadza kwedu nezvivi zvedu zvinotiremera, uye tapera nokuda kwazvo. Zvino tingararama seiko?” ’ 11Uti kwavari, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handitongofariri rufu rwowakaipa, asi kuti vatendeuke kubva panzira dzavo vagorarama. Tendeukai! Tendeukai pazvakaipa zvenyu! Muchafireiko, imi imba yaIsraeri?’

12“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, uti kuvanhu venyika yako, ‘Kururama kwowakarurama hakugoni kumuponesa kana asingateereri, uye kuipa kwomunhu akaipa hakungamuiti kuti awe kana akatendeuka kubva pakuri. Munhu akarurama, kana akatadza, haangatenderwi kuti ararame nokuda kwokururama kwaaiva nako kare.’ 13Kana ndikaudza munhu akarurama kuti achafa zvirokwazvo, asi zvino iye ovimba nokururama kwake, ndokuita zvakaipa, hakuna zvinhu zvakarurama zvaakaita kare zvicharangarirwa; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita. 14Uye kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe uchafa zvirokwazvo,’ asi zvino iye akatendeuka pachivi chake uye akaita zvakanaka nezvakarurama, 15kana akadzorera zvaakatora norubatso sechikwereti, akadzosa zvaakaba, akatevera mitemo youpenyu, akasaita zvakaipa, zvirokwazvo achararama; haangafi. 16Hakuna zvivi zvaakaita zvicharangarirwa pamusoro pake. Akaita zvakanaka uye zvakarurama; achararama zvirokwazvo.

17“Kunyange zvakadaro, vanhu venyika yako vanoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi nzira yavo ndiyo isina kururama. 18Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, achafa nokuda kwazvo. 19Uye munhu akaipa akatendeuka pazvakaipa zvake akaita zvakanaka uye zvakarurama, achararama nazvo. 20Kunyange zvakadaro, imi imba yaIsraeri, munoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi ndichatonga mumwe nomumwe wenyu zvakafanira nzira dzake.”

Kuwa kweJerusarema kunorondedzerwa

21Mugore regumi namaviri rokutapwa kwedu, mumwedzi wegumi pazuva reshanu, munhu akanga apunyuka paJerusarema akasvika kwandiri achiti, “Guta rawa!” 22Zvino madekwana munhu uya asati asvika, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akashamisa muromo wangu munhu uya asati asvika kwandiri mangwanani. Saka muromo wangu wakazarurwa ndikasazonyararazve.

23Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 24“Mwanakomana womunhu, vanhu vanogara mumatongo ayo munyika yaIsraeri vari kuti, ‘Abhurahama akanga ari munhu mumwe chete, asi akatora nyika. Asi isu tiri vazhinji; zvirokwazvo nyika yakapiwa kwatiri senhaka yedu.’ 25Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo muchidya nyama neropa rayo uye muchitarira kuzvifananidzo zvenyu uye muchiteura ropa, zvino mungatora nyika here? 26Imi munovimba nomunondo wenyu, muchiita zvinhu zvinonyangadza, uye mumwe nomumwe wenyu achisvibisa mukadzi wehama yake. Zvino mungatora nyika here?’

27“Taura kwavari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, vaya vakasara mumatongo vachaurayiwa nomunondo, vaya vari kumamisha, ndichavapa kuzvikara zvesango kuti zvivadye, uye vaya vari munhare nomumapako vachafa nehosha. 28Nyika ndichaiita dongo rakaparadzwa, uye simba rokuzvikudza kwayo richasvika kumagumo, uye makomo aIsraeri achaparadzwa zvokuti hakuna achaadarika. 29Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichashandura nyika ikava dongo rakaparadzwa nokuda kwezvinonyangadza zvavakaita.’

30“Asi kana uriwe, mwanakomana womunhu, vanhu venyika yako vanotaurirana pamwe chete pamusoro pako pamasvingo uye napamikova yedzimba, vachiti kuno mumwe nomumwe wavo, ‘Uyai munzwe shoko rabva kuna Jehovha.’ 31Vanhu vangu vanouya kwauri, sezvavanosiita, ndokugara pamberi pako kuti vateerere kumashoko ako, asi havaaiti. Vanondirumbidza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inokarira pfuma yokusarurama. 32Zvirokwazvo, iwe wakaita somunhu anoimba rwiyo rworudo kwavari nezwi rakaisvonaka uye achiridza chiridzwa zvakanaka, nokuti vanonzwa mashoko ako asi havaaiti.

33“Panoitika izvi zvose, uye zvichaitika zvirokwazvo, ipapo vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo.”

Copyright information for SnaBDSC